Genesis 18:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Ɀirokwaɀo, kana gore rapfuʋura, ndicaʋuya ɀe kwauri; neŋguʋa iyo Sara, mukadzi wako, ucaʋa nomŋanakomana. Ɀino Sara wakaŋga aciterera ari pamukoʋa wetente shure kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamukova wetende wakanga uri shure kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati, “Chokwadi ini ndichakushanyirazve gore rinouya, panguva yepfumvudza. Ipapo Sara mudzimai wako achange ava nomwana mukomana.” Izvozvo Sara aizvinzwa zvake ari mutendhe raiva kuseri kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwamuri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuo wetende shure kwake.
Shona 2009?
Iye akati, "Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwa­muri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana." Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuo wetende shure kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwamuri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuwo wetende shure kwake.