Genesis 18:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kunaAbrahama: Sara wasekereiko, aciti: Ko ini mucembere ndicaɓereka mŋana ɀirokwaɀo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko seiko Sara aseka, achiti, ‘Ini pangu pano ndachembera kudai ndingaberekewo mwana here?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kuna Abhurahamu, “Sara wasekereiko, achiti, ‘Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?’
Shona 2009?
Jehovha akati kuna Abhurahamu, "Sara wasekereiko, achiti, `Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?'
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kuna Abhurahamu, “Sara wasekereiko, achiti, ‘Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?’