Genesis 18:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgaɀiʋe kure nemi kuita kuɗaro, kuʋuraya ʋakarurama pamŋe cete naʋakaipa, kuti ʋakarurama ʋaʋe saʋakaipa; ŋgaɀiʋe kure nemi; Mutoŋgi wenyika yose haaŋgaiti ɀakarurama here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Regai zvenyu kuita zvakadaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa muchienzanisa vakarurama navakaipa. Regai zvenyu kumbodaro ko iye mutongi wepasi pose angatadze here kuita zvakarurama?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ngazvive kure nemi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”
Shona 2009?
Ngazvive kure nemwi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?"
Shona SUB 2002 Bible
Ngazvive kure nemi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”