Genesis 18:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakaŋga agadzira, akaɀiisa pamberi paʋo; akamira naʋo munyasi momuti, ʋakadya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatora mukaka wakakora nomumbishi nenyama yechimhuru chiya chaakanga agadzirira akavaperekera, ndokumira panyasi pavo pasi pomuti, ivo vachidya zvavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya.
Shona 2009?
Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya.
Shona SUB 2002 Bible
Akatora mukaka wakafa, nomukaka mumbishi, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya.