Genesis 19:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti toɗa kuparadza nɀimbo ino; nokuti kuɗanidzira kwaʋo kwaʋa kukuru kunaJehova; Jehova wakatituma kuiparadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti tiri kuzoparadza nzvimbo ino. Kuchema kuna Jehovha pamusoro pavanhu ava kwakura zvokuti atituma kuzoriparadza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaburitse muno nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino. Chatinodariro ndechichi: mhosva dzavanhu vayo dzasvika munzeve dzaTenzi, dzanyanya kuwanda zvokuti Tenzi atituma kuzoparadza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza.”
Shona 2009?
Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino; nokuti kudanidzira kwavo kwava kukuru kuna Jehovha; Jehovha wakatituma kuiparadza.”