Genesis 19:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Roti akaɓuɗa, akandotaura naʋakuwasha ʋake, ʋakaŋga ʋacazowana ʋakunda ʋake, akati: Simukai, ibvai muno; nokuti Jehova ucaparadza guta rino. Asi ʋakuwasha ʋake ʋakati: Unoita hake musere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Roti akabuda akandotaura kuvakuwasha vake, vakanga vatsidza kuti vachawana vanasikana vake, akati, “Kurumidzai kubva panzvimbo ino, nokuti Jehovha ava kuda kuparadza guta!” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti aiita zveje-e navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Roti akabuda akandotaurira vakuwasha vake vaitarisirwa kuzoroora vana vake achiti, “Simukai mubve muno nokuti Tenzi achaparadza guta rino.” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti vari kuita jee navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazowana vakunda vake, vakati, “Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino.” Asi vakuwasha vake vakati, “Anoita hake musara.”
Shona 2009?
Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazowana vakunda vake, vakati, "Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino." Asi vakuwasha vake vakati, "Anoita hake musare."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Roti akabuda, akandotaura navakuwasha vake, vakanga vachazowana vakunda vake, vakati, “Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha achaparadza guta rino.” Asi vakuwasha vake vakati, “Anoita hake musara.”