Genesis 19:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋutoŋga ʋucitȿuka ʋatumŋa ʋakakurumidzisa Roti, ʋaciti: Simuka, uende nomukadzi wako, naʋakunda ʋako ʋaʋiri ʋari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorobga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambakwedza, vatumwa vakakurudzira Roti vachiti, “Kurumidza! Tora mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo, kuti murege kuparadzwa kana guta roparadzwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti ava mambakwedza vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, “Chisimuka utore mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo pano uende, kuitira kuti murege kuparadzwa pacharangwa guta rino.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Utonga huchitsvuka vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, “Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa.”
Shona 2009?
Utonga huchitsvuka vatumwa va­kakurumidzisa Roti vachiti, "Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa."
Shona SUB 2002 Bible
Utonga huchitsvuka vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, “Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa.”