Genesis 19:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋakanonoka; ʋarume ʋakaɓata ruʋoko rwake, noruʋoko rwomukadzi wake, namaʋoko aʋakunda ʋake ʋaʋiri; nokuti Jehova wakaŋga anetsitsi naye; ʋakamuɓuɗisa, ʋakamuisa kunze kweguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati achinonoka, varume vakabata ruoko rwake uye namaoko omukadzi wake neavanasikana vake vaviri vakavabudisa zvakanaka kunze kweguta, nokuti Jehovha akavanzwira tsitsi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Roti akaita chinono, varume ava ndokubva vati Roti nomukadzi wake navanasikana vake vaviri, maoko chapu, vakavaburitsa vachivakwekweretsera kunze kweguta nokuti Tenzi akavanzwira tsitsi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha wakanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.
Shona 2009?
Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha wakanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vakanonoka; varume vakabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; nokuti Jehovha akanga ane tsitsi naye; vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.