Genesis 19:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaʋaɓuɗisa kunze, mumŋe akati: Tiza nokuɗa kwoʋupenyu bgako; usaceuka shure kwako, kana kumira paɓani rose; tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vachangovabudisa kunze, mumwe wavo akati, “Tizai nokuda kwoupenyu hwenyu! Musacheuka, uye musamira papi zvapo mubani! Tizirai kumakomo kuti murege kuparadzwa!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakasvika navo kunze kweguta vakati, “Chitotizai muponese upenyu hwenyu, musacheuke muchitarisa shure kana kumira papi zvapo mubani. Tizirai kugomo mungadaro mukaparadzwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vavabudisa kunze, mumwe akati, “Tiza nokuda kwoupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa.”
Shona 2009?
Zvino vakati vavabudisa kunze, mumwe akati, "Tiza nokuda koupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vavabudisa kunze, mumwe akati, “Tiza nokuda kwoupenyu hwako, usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose, tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa.”