Genesis 19:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati: Tarirai, madzishe aŋgu, ciɗotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, muʋate ʋusiku bgose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu. Iʋo ʋakati: Kwete, ticaʋata heɗu paɗare ʋusiku bgose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Madzishe angu, ndapota hangu tsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu. Mushambidze henyu tsoka dzenyu uye mugovata usiku huno, ipapo mugoenda henyu mangwana mangwanani.” Ivo vakati, “Kwete, tichavata hedu pachivara usiku huno.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akati, “Madzishe angu, uyai zvenyu kumba kwangu ini muranda wenyu, mushambe tsoka dzenyu, murareko mozofumomuka zvenyu moenda.” Asi ivo vakati, “Kwete. Tichavata zvedu pamusika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati, “Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, muvate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu.” Ivo vakati, “Kwete tichavata hedu padare usiku hwose.”
Shona 2009?
akati, "Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba komuranda wenyu, mu­vate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu." Ivo vakati, "Kwete tichavata hedu padare usiku hwose."
Shona SUB 2002 Bible
akati, “Tarirai, madzishe angu, chidotsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu, muvate usiku hwose, mushambidze tsoka dzenyu, mugofumira parwendo rwenyu.” Ivo vakati, “Kwete tichavata hedu padare usiku hwose.”