Genesis 19:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Fume maŋgwana weɗaŋgwe akati kumuɗuku: Tarira, ndaʋata naɓaɓa ʋaŋgu ʋusiku bgazuro; ŋgatiʋanwise waini ʋusiku bguno ʋo, iwe ugopinda, undoʋata naʋo, kuti ticeŋgete rudzi naɓaɓa ʋeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rakatevera mwanasikana mukuru akati kumuduku wake, “Madeko ndakavata nababa vangu. Ngativanwiseizve waini usiku huno, uye iwe ugopinda undovata navo kuitira kuti tichengete rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ramangwana racho, wedangwe akataurira munun'una wake achiti, “Ndakarara nababa usiku hwapfuura. Zvino ngativanwisei zvakare waini usiku hwanhasi, uendewo undorara navo kuti tiwane machengetero orudzi, rurege kutsakatika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, “Tarira, ndavata nababa vangu usiku hwanezuro; ngativanwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, undovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.”
Shona 2009?
Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, "Tarira, ndavata nababa vangu usiku hwanezuro; ngativamwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, undovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu."
Shona SUB 2002 Bible
Fume mangwana wedangwe akati kumuduku, “Tarira, ndavata nababa vangu usiku hwane zuro; ngativanwise waini usiku hwunowo, iwe ugopinda, unovata navo, kuti tichengete rudzi nababa vedu.”