Genesis 19:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ndinaʋakunda ʋaʋiri ʋasina‐kumboziʋa murume; regai ndiʋaɓuɗisire kwamuri, muʋaitire iʋo seɀamunoɗa; asi ʋarume aʋa, musaʋaitira cinhu, nokuti ndiɀo ɀaʋakapindira mumumvuri weɗeŋga raŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai, ndina vanasikana vaviri vasina kutongovata nomurume. Regai ndivabudisire kwamuri uye mungagona kuita zvamunoda navo. Asi musaita kana chinhu kuvarume ava, nokuti vakavanda pasi pedenga rangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndine vanasikana vangu vaviri vachiri mhandara. Regai ndivaunze kwamuri muite zvenyu zvamunoda navo. Kana zviri zvavarume ava regai zvenyu kuwana chamungaite kwavari nokuti vaeni vauya mumba mangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu.”
Shona 2009?
Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu."
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, ndine vakunda vaviri vasina kumboziva murume, regai ndivabudisire kwamuri, muvaitire ivo sezvamunoda; asi varume ava, musavaitira chinhu, nokuti ndizvo zvavakapindira mumumvuri wedenga rangu.”