Genesis 2:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova Mŋari akaʋumba nevu mhuka dzose dzesaŋgo, neshiri dzose dzeɗeŋga, akadziisa kumunhu kuti aʋone kuti ucadzitumidza mazita api; ɀipenyu ɀose seɀaɀakatumidzwa nomunhu, ndiwo akaʋa mazita aɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakava zita racho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari Tenzi akatora ivhu akaumba mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akauya nadzo kuna Adhamu achida kuona kuti achadzitumidza mazita api. Mazita ose akatumidzwa zvinhu zvipenyu naAdhamu, ndiwo akava mazita azvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo.
Shona 2009?
Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti acha­dzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo.