Genesis 20:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mŋari wakati acindiɓuɗisa paimba yaɓaɓa ʋaŋgu, kuti ndidzuŋgaire, ndikati kwaari: Heci cinhu cakanaka caunofanira kundiitira: Pose patinoȿika, uti pamsoro paŋgu, ihanɀadzi yaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Mwari paakandiita kuti ndifambe kubva paimba yababa vangu, ndakati kwaari, ‘Izvi ndizvo zvaungandiratidza nazvo madiro aunondiita: Kwose kwatinoenda, utaure pamusoro pangu uchiti, “Ihanzvadzi yangu.” ’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari paakandibvisa kumusha kwababa vangu, achindiita kuti nditame-tame, ndakaudza mudzimai wangu ndichiti, ‘Ndiitirewo mwoyochena kwose kwatinoenda, upote uchinditi, ihanzvadzi yangu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mwari wakati achindibudisa paimba yababa vangu, kuti ndidzungaire, ndikati kwaari, ‘Hechi chinhu chakanaka chaunofanira kundiitira. Pose patinosvika, uti pamusoro pangu, ihanzvadzi yangu.’ ”
Shona 2009?
Zvino Mwari wakati achindibudisa paimba yababa vangu, kuti ndidzungaire, ndikati kwaari, `Hechi chinhu chakanaka chaunofanira kundiitira. Pose patinosvika, uti pamusoro pangu, ihanzvadzi yangu.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mwari wakati achindibudisa paimba yababa vangu, kuti ndidzungaire, ndikati kwaari, ‘Hechi chinhu chakanaka chaunofanira kundiitira. Pose patinosvika, uti pamusoro pangu, ihanzvadzi yangu.’ ”