Genesis 20:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kunaSara: Tarira, ndapa hanɀadzi yako mashekeri esirveri anecuru cezana; cicaʋa cifukidziro cameso ako kunaʋose ʋaunaʋo; waruramiswa pamberi paʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuna Sara akati, “Ndiri kupa hanzvadzi yako mashekeri chiurua esirivha. Ichi ndicho chichava chifukidzo pamusoro pemhosva yandakaita kwauri pamberi pavose vaunavo; waruramiswa kwazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndapa hanzvadzi yako chiuru chemari yesirivha yokuratidza kuti hauna nemhosva yose nokukuchenurawo pana vamwe vako vose vaunavo navanhu vose zvavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kuna Sara, “Tarira, ndapa hanzvadzi yako mashekeri esirivha ane chiuru chezana; chichava chifukidziro chameso ako kuna vose vaunavo; waruramiswa pamberi pavose.”
Shona 2009?
Akati kuna Sara, "Tarira, ndapa hanzvadzi yako mashekeri esirivha ane chiuru che­zana; chichava chifukidziro chameso ako kuna vose vaunavo; waruramiswa pa­mberi pavose."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kuna Sara, “Tarira, ndapa hanzvadzi yako mashekeri esirivha ane chiuru chezana; chichava chifukidziro chameso ako kuna vose vaunavo; waruramiswa pamberi pavose.”