Genesis 20:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari akati kwaari pakurota: Hoŋo, ndinoziʋa kuti wakaita cinhu ici nomŋoyo wakarurama, ndikakudziʋisa ʋo kuti urege kunditadzira; naiɀoɀo handina‐kukutendera kumuɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mwari akati kwaari mukurota, “Hongu, ndinozviziva kuti wakaita izvi nehana yakachena, nokudaro ndakukonesa kuti unditadzire. Ndokusaka ndisina kukutendera kuti umubate.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akamutaurira mukurota ikoku achiti, “Ndinozviziva zvangu kuti wakazviita mukusaziva pasina chakaipa chawaimbofunga mumwoyo mako. Ndini ndakaita kuti urege kunditadzira, saka ndisina kukubvumidza kumbomugunzva zvako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akati kwaari pakurota, “Hongu, ndinoziva kuti wakaita chinhu ichi nomwoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.
Shona 2009?
Mwari akati kwaari pakurota, "Hongu, ndinoziva kuti wakaita chinhu ichi nomoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari akati kwaari pakurota, “Hongu, ndinoziva kuti wakaita chinhu ichi nomwoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata.