Genesis 20:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Abimereki akaɗana Abrahama, akati kwaari: Cinyiko cinhu ici cawatiitira — Ini ndakutadzireiko, ɀawaʋuyisa mhoȿa huru pamsoro paŋgu napamsoro poʋushe bgaŋgu — Wandiitira ɀisakafanira kuitwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Abhimereki akadana Abhurahama kuti apinde uye akati, “Waiteiko kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita seiko zvawauyisa mhosva huru yakadai pamusoro pangu napamusoro poumambo hwangu? Wandiitira zvinhu zvisingafaniri kuitwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhimereki akadaidza Abhurahamu akati kwaari, “Chiiko ichi chawaita kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita sei zvaunobva wandiunzira chitadzo chakakura chikadai ini nenyika yangu? Zvawandiitira izvi, hazvifanire kumboitwa!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Abhimereki akadana Abhurahamu akati kwaari, “Chiiko chinhu ichi chawatiitira? Ini ndakutadzireiko, zvawauyisa mhosva huru pamusoro pangu napamusoro poushe hwangu?”
Shona 2009?
Ipapo Abhimereki akadana Abhurahamu akati kwaari, "Chiiko chinhu ichi chawatiitira? Ini ndakutadzireiko, zvawauyisa mhosva huru pamusoro pangu napamusoro poushe hwangu?"
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Abhimereki akadana Abhurahamu akati kwaari, “Chiiko chinhu ichi chawatiitira? Ini ndakutadzireiko, zvawauyisa mhosva huru pamusoro pangu napamusoro poushe hwangu?”