Genesis 21:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka wakati kunaAbrahama: Dziŋga muɓatiri uyu nomŋanakomana wake, nokuti mŋanakomana womuɓatiri uyu haaŋgadyi nhaka pamŋe cete nomŋanakomana waŋgu Isaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ndokubva ati kuna Abhurahama, “Dzinga mukadzi murandakadzi uyo nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi uyo haangatongogovani nhaka nomwanakomana wangu Isaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akataurira Abhurahamu kuti, “Dzinga muranda uyu nomwanakomana wake nokuti mwana womuranda uyu haafanire kudya nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaki.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka wakati kuna Abhurahamu, “Dzinga mubatiri uyu nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka.”
Shona 2009?
Saka wakati kuna Abhurahamu, "Dzinga mubatiri uyu no­mwanakomana wake, nokuti mwanako­mana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka."
Shona SUB 2002 Bible
Saka wakati kuna Abhurahamu, “Dzinga mubatiri uyu nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka.”