Genesis 21:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abrahama akamuka maŋgwanani, akatora ciŋgwa negucu remvura, akapa Hagari, akaɀiisa pafudzi rake, nomŋana ʋo, akamuendisa; iye akaenda, akandodzuŋgaira murenje reBeeri‐sheba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mangwanani akatevera, Abhurahama akatora zvokudya neguchu redehwe rine mvura akazvipa kuna Hagari. Akazviisa pamapfudzi ake ipapo akamuendesa pamwe chete nomukomana. Akaenda uye akadzungaira ari mugwenga reBheerishebha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Abhurahamu akafumomuka akatora chingwa neguchu redehwe rine mvura, akapa Hagari, akamuberekesa mwana kumusana akati aende zvake. Hagari akasumuka akaenda akandodzungaira ari murenje reBheerishebha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhurahamu akamuka mangwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishebha.
Shona 2009?
Abhurahamu akamuka mangwa­nani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishe­bha.
Shona SUB 2002 Bible
Abhurahamu akamuka mangwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishebha.