Genesis 21:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambge ineŋge iŋgaȿika museʋe kana waposhwa; nokuti wakati: Ndirege kuʋona haŋgu mŋana acifa. Akagara pakatarisana naye, akacema kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akabvapo akandogara pedyo naipapo, nhambwe inenge ingasvika museve, nokuti akafunga mumwoyo make akati, “Handingatariri mukomana achifa.” Uye agere pedyo ipapo akatanga kuchema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hagari akaenda chinhambwe chingasvike dombo rokukanda nemaoko, akagara pasi achichema ari pakanga pakatarisana napaya paiva nomwana nokuti aiti, “Handingadi zvangu kuona mwana achifa ndakatarisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, “Ndirege kuona hangu mwana achifa.” Akagara pakatarisana naye, akachema kwazvo.
Shona 2009?
iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, "Ndirege kuona hangu mwana achifa." Akagara pakatarisana naye, akachema kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, “Ndirege kuona hangu mwana achifa.” Akagara pakatarisana naye, akachema kwazvo.