Genesis 21:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari akanzwa inzwi romukomana; mutumŋa waMŋari akaɗanidzira kunaHagari, ari kuɗeŋga, akati kwaari: Ɀaita seiko Hagari — Usatya, nokuti Mŋari wanzwa inzwi romukomana apo paari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akanzwa kuchema kwomukomana uyu, mutumwa waMwari, ari mudenga, akadaidzira kuna Hagari achiti kwaari, “Ko chanetsa chiiko Hagari? Usatye zvako nokuti Mwari anzwa kuchema kwemwana paari ipapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akanzwa izwi romukomana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa izwi romukomana apo paari.
Shona 2009?
Mwari akanzwa inzwi romuko­mana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, "Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa inzwi romukomana apo paari.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari akanzwa izwi romukomana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa izwi romukomana apo paari.