Genesis 22:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Ɀino tora mŋanakomana wako, mŋanakomana wako mumŋe cete, waunoɗa, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite ciɓayiro cinopiswa panerimŋe gomo randicakuʋudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, Isaka, iye waunoda, uye uende kunyika yeMoria. Umubayire ikoko sechipiriso chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, iye mumwechete oga, wepamwoyo, Isaki uende naye kunyika yeMoria umuite chibayiro chomupiro wokupisa ikoko pane rimwe gomo randichakuudza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
Shona 2009?
Akati, "Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza."
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwechete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”