Genesis 22:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abrahama akatora huni dzeciɓayiro cinopiswa, akadzitakudza Isaka, mŋanakomana wake; akatora mŋoto neɓaŋga muruʋoko rwake, ʋakaenda ʋari ʋaʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Abhurahama akatora huni dzechipiriso chinopiswa akadziisa pana Isaka mwanakomana wake, uye iye pachake akatakura moto nebanga. Pavakanga vachifamba pamwe chete vari vaviri,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhurahamu akatora huni dziye akadzitakudza Isaki mwana wake. Iye akatakura moto nebanga mumaoko, vakaenda zvavo vose vari vaviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhurahamu akatora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto nebanga muruoko rwake, vakaenda vari vaviri.
Shona 2009?
Abhurahamu akatora huni dzechi­bayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto neba­nga muruoko rwake, vakaenda vari va­viri.
Shona SUB 2002 Bible
Abhurahamu akatora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto nebanga muruoko rwake, vakaenda vari vaviri.