Genesis 22:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Isaka akataura naAbrahama, ɓaɓa ʋake, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu! Iye akati: Ndiri pano haŋgu, mŋana waŋgu. Akati: Hoyu mŋoto nehuni; asi gwaiana reciɓayiro cinopiswa riripiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!” Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?” Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaki akabvunza Abhurahamu baba vake achiti, “Nhai baba!” Iye akati, “Chiiko mwanangu?” Isaki akati, “Moto nehuni tinazvo, ko hwayana yokundoita chibayiro chomupiro wokupisa iri kupi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, “Baba vangu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu, mwana wangu.” Akati, “Hoyu moto nehuni; asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?”
Shona 2009?
Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, "Baba vangu! " Iye akati, "Ndiri pano hangu, mwana wangu." Akati: "Hoyu moto nehuni, asi hwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?"
Shona SUB 2002 Bible
Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, “Baba vangu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu, mwana wangu.” Akati, “Hoyu moto nehuni; asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?”