Genesis 23:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kwete, ishe waŋgu, cindinzwai; tererai, ndinokupai munda, nairo ɓako riri’mo, ndinokupai iro; ndinokupai iɀoɀo pamberi paʋana ʋaʋanhu ʋaŋgu; ʋigai henyu wakafa wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akati, “Kwete, ishe wangu. Inzwai; ndinokupai munda, uye ndinokupai bako riri mauri. Ndinoupa kwamuri pamberi pavanhu vangu. Vigai henyu akafa wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kwete, changamire. Ndinzwei ndinokupai munda iwoyo nebako ririmo, hama dzangu dzichizviona kuti muvige vafi venyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kwete, ishe wangu, chindinzwai; teererai, ndinokupai munda, nairo bako ririmo, ndinokupai iro; ndinokupai izvozvo pamberi pavana vavanhu vangu; vigai henyu wakafa wenyu.”
Shona 2009?
"Kwete, ishe wangu, chindinzwai; teererai, ndinokupai munda, nairo bako ririmo, ndinokupai iro; ndinokupai izvozvo pamberi pavana vavanhu vangu; vigai henyu wakafa wenyu."
Shona SUB 2002 Bible
“Kwete, ishe wangu, chindinzwai; teererai, ndinokupai munda, nairo bako ririmo, ndinokupai iro; ndinokupai izvozvo pamberi pavana vavanhu vangu; vigai henyu wakafa wenyu.”