Genesis 23:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe waŋgu, cinditererai; munda unoteŋgwa namashekeri esirveri anamazana manna, ciŋgaʋa cinyiko pakati paŋgu newe — Ʋigai henyu wakafa wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nditeererei, ishe wangu, mutengo wenyika unoita mashekeri mazana manaa esirivha, asi chingava chiiko pakati pangu nemi? Vigai henyu akafa venyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Changamire wangu, teererai munzwe. Kamutengo kenzvimbo yacho kanongova mazana mana chete emari yamashekeri yesirivha. Zvino munoti imari iyoyo here yatingatemeserane musoro nayo? Endai zvenyu mundoviga munhu wenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ishe wangu, chinditeererai; munda unotengwa namashekeri esirivha ana mazana mana, chingava chinyiko pakati pangu newe? Vigai henyu wakafa wenyu.”
Shona 2009?
"Ishe wangu, chinditeererai; mu­nda unotengwa namashekeri esirivha ana mazana mana, chingava chinyiko pakati pangu newe? Vigai henyu wakafa we­nyu."
Shona SUB 2002 Bible
“Ishe wangu, chinditeererai; munda unotengwa namashekeri esirivha ana mazana mana, chingava chiiko pakati pangu newe? Vigai henyu wakafa wenyu.”