Genesis 23:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Citinzwai, ishe weɗu, imi muri mucinda waMŋari pakati peɗu; ʋigai wakafa wenyu pabgiro bgakanaka pakati pamabgiro eɗu ose; hakunomunhu pakati peɗu uŋgakunyimai bgiro bgake, kuti muʋige wakafa wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ishe, tinzwei. Imi muri muchinda mukuru pakati pedu. Vigai henyu akafa wenyu muguva rakaisvonaka pakati pamakuva edu. Hakuna munhu pakati pedu angakunyimai guva rake kuti muvige akafa wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tinokuremekedzai kwazvo pakati pedu. Vigai zvenyu vafi venyu munzvimbo yakanakisisa pakati penzvimbo dzedu dzose dzokuvigira vanhu. Pakati pedu hapana angakunyimei nzvimbo yokuviga vafi venyu munzvimbo dzokuviga vafi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Chitinzwai, ishe wedu, imi muri muchinda waMwari pakati pedu; vigai wakafa wenyu pahwiro hwakanaka pakati pamahwiro edu ose; hakuna munhu pakati pedu angakunyimai hwiro hwake, kuti muvige wakafa wenyu.”
Shona 2009?
"Chitinzwai, ishe wedu, imwi muri muchinda waMwari pakati pedu; vigai wakafa wenyu pahwiro hwakanaka pakati pamahwiro edu ose; hakuna munhu pakati pedu angakunyimai hwiro hwake, kuti muvige wakafa wenyu.
Shona SUB 2002 Bible
“Chitinzwai, ishe wedu, imi muri muchinda waMwari pakati pedu; vigai wakafa wenyu pahwiro hwakanaka pakati pamahwiro edu ose; hakuna munhu pakati pedu angakunyimai hwiro hwake, kuti muvige wakafa wenyu.”