Genesis 24:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋgakuitwe kuti musikana wandicati kwaari: Nditurire ʋo ciroŋgo cako, ndinwe; kana akati: Inwai henyu, namakamera enyu ndicaanwisa ʋo; ŋgaaʋe iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naiɀoɀo ndicaziʋa kuti makaitira tenzi waŋgu ŋgoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ngazviitike kuti pandinoti kumusikana, ‘Ndapota, tura chirongo chako kuti ndinwewo mvura,’ uye iye akati, ‘Inwai henyu uye ndichanwisawo ngamera dzenyu’ ngaave iye wamasarudzira muranda wenyu Isaka. Naizvozvo ndichaziva kuti maitira tenzi wangu zvakanaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino musikana wandinenge ndati nditekerewo mvura ndinwe, kana iye akapindura achiti, ‘Inwai zvenyu uye ndichapawo ngamera dzenyu mvura yokunwa,’ iyeyo ngaave musikana wamakasarudzira muranda wenyu Isaki. Ndizvo zvichandiratidza kuti maitira mwoyochena vatenzi vangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, ‘Nditurirewo chirongo chako, ndinwe’; kana akati, ‘Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo;’ ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.”
Shona 2009?
Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, `Nditu­rirewo chirongo chako, ndimwe'; kana akati, `Imwai henyu, namakamera enyu ndichaamwisawo;' ngaave iye wamaka­tsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni. "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, ‘Nditurirewo chirongo chako, ndinwe;’ kana akati, ‘Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo;’ ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.”