Genesis 24:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakaŋga asati apedza kutaura, Rebeka, wakaɓerekerwa Betueri, mŋanakomana waMirka, mukadzi waNahori, munuŋuna waAbrahama, wakaȿika aneciroŋgo pafudzi rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asati apedza kunyengetera, Rabheka akasvika nechirongo chake papfudzi rake. Akanga ari mwanasikana waBhetueri mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori munun'una waAbhurahama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asati ambopedza kutaura pakabva pasvika Ribheka mwanasikana waBhetueri. Bhetueri uyu akaberekwa naMirika, mudzimai waNahori munun'una waAbhurahamu. Ribheka akasvika akatakura chirongo chake papfudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, mun'una waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake.
Shona 2009?
Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, munun'una waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, munun'una waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake.