Genesis 24:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino musikana uyu wakaŋga akanaka kwaɀo pameso ake, mhandara isina‐kumbozibga nomurume; akaɓurukira kutsime, akazadza ciroŋgo cake, akakwira ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musikana akanga akanaka kwazvo, ari mhandara; hakuna murume akanga ambovata naye. Akaenda kutsime, akazadza chirongo chake akadzokazve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino musikana uyu aiva nechimiro chakanaka kwazvo, iri mhandara isina kumbosangana nomurume. Akapinda mutsime akazadza chirongo chake nemvura akabuda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumboziviwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve.
Shona 2009?
Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumbozi­viwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumboziviwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve.