Genesis 24:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati apedza kumunwisa, akati: Ndicacerera makamera enyu ʋo kuȿikira aguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokumupa mvura kuti anwe, akati, “Ndichachererawo ngamera dzenyu mvura, kusvikira dzapedza kunwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti amupa mvura, musikana akati, “Chiregai zvenyu nditekerewo ngamera dzenyu mvura, dzinwe dzigute.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakati apedza kumunwisa, akati, “Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.”
Shona 2009?
Wakati apedza kumumwisa, akati, "Ndichacherera makamera enyuwo ku­svikira aguta."
Shona SUB 2002 Bible
Wakati apedza kumunwisa, akati, “Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.”