Genesis 24:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Jehova, Mŋari watenzi waŋgu Abrahama ŋgaaʋoŋgwe, usina‐kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kunatenzi waŋgu; kana ndirini, Jehova wakandifambisa, akandiȿitsa kuimba yehama dzatenzi waŋgu
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari watenzi wangu Abhurahama, iye asina kurega kuita zvakanaka nokutendeka kwake kuna tenzi wangu. Kana ndirini, Jehovha akanditungamirira parwendo rwangu akandisvitsa kumba kwehama dzatenzi wangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari watenzi wangu Abhurahamu nokuti akaramba akatendeka, akaita zvaakatsidzira tenzi wangu. Kana ndirini, Tenzi anditungamirira akandisvitsa kumusha kwehama dzatenzi wangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu.”
Shona 2009?
Akati, "Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu."
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu ngaakudzwe, asina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu; kana ndirini, Jehovha akandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu.”