Genesis 24:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakati aciʋona cindori neɀishoŋgo pamaʋoko ehanɀadzi yake, nokunzwa ʋo mashoko aRebeka, hanɀadzi yake, aciti: Ndiɀo ɀakataura murume kwandiri, akaenda kumurume, akamuwana amire pamakamera patsime.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati achingoona mhete yemhino nezvishongo mumaoko ehanzvadzi yake, uye anzwa Rabheka achitaura zvakanga zvarehwa nomurume uyu kwaari, akabuda akaenda kumurume akamuwana amire pangamera pedyo netsime.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti akanga aona hanzvadzi yake iine mhete, namakoza mumaoko ayo, akanzwawo kutaura kwaiita Ribheka achiti, “Ndizvo zvandaudzwa nomurume iyeyo.” Ndopaakamhanyira kumurume uya, akamuwana amire patsime paya nengamera dzake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, achiti, “Ndizvo zvakataura murume kwandiri,” akaenda kumurume akamuwana amire pamakamera patsime.
Shona 2009?
Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, achiti, "Ndizvo zvakataura murume kwandiri," akaenda kumurume akamuwana amire pamakamera patsime.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti wakati achiona chindori nezvishongo pamaoko ehanzvadzi yake, achiti, “Ndizvo zvakataura murume kwandiri,” akaenda kumurume akamuwana amire pamakamera patsime.