Genesis 24:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakaropafadza tenzi waŋgu kwaɀo; waʋa mukuru; wakamupa makwai, neŋombe, nesirveri, nendarama, naʋaranda, naʋarandakadzi, namakamera, nemboŋgoro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akaropafadza tenzi wangu kwazvo, uye ava mupfumi. Akamupa makwai nemombe, sirivha negoridhe, varandarume navarandakadzi, ngamera nembongoro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akakomborera vatenzi vangu kwazvo zvokuti vakapfuma zvikuru. Vane hwai, mombe, sirivha, ndarama, navaranda vechirume nevechikadzi nengamera namadhongi mazhinji.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha wakaropafadza tenzi wangu kwazvo; wava mukuru; wakamupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.
Shona 2009?
Jehovha wakaropafadza tenzi wangu kwazvo; wava mukuru; wakamupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akaropafadza tenzi wangu kwazvo; wava mukuru; wakamupa makwai, nemombe, nesirivha, nendarama, navaranda, navarandakadzi, namakamera, nembongoro.