Genesis 24:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Jehova wandinosifamba pamberi pake, ucatuma mutumŋa wake newe, akufambise ɀakanaka parwendo rwako; undotorera mŋanakomana waŋgu mukadzi kuhama dzaŋgu nokunaʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Iye akapindura akati, ‘Jehovha, iye wandinofamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe uye achaita kuti rwendo rwenyu rubudirire, kuti uwanire mwanakomana wangu mukadzi, paunoenda kuimba yokwangu, kumhuri yababa vangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vatenzi vangu ndokuti, ‘Tenzi wandinogara ndichinamata muupenyu, achatuma mutumwa wake akuperekedze kuti zvaunofambira zvibudirire, undotorera mwana wangu mukadzi kuhama dzangu kumusha kwababa vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, ‘Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu;
Shona 2009?
Iye akati, `Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu;
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, ‘Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu;