Genesis 24:47 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakamubvunza, ndikati: Uri mukunda waaniko — Iye akati: Ndiri mukunda waBetueri, mŋanakomana waNahori, waakaɓerekerwa naMirka; ipapo ndakaisa cindori mumhino dzake, neɀishoŋgo pamaʋoko ake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndamubvunza ndikati, ‘Uri mwanasikana waaniko?’ “Iye ati, ‘Ndiri mwanasikana waBhetueri mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika.’ “Ipapo ndaisa mhete pamhino yake nezvishongo mumaoko ake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo ndamubvunza ndichiti, ‘Ko nhai, uri mwana waaniko?’ Iye ati, ‘Ndiri mwana womwana waNahori, baba vangu ari Bhetueri aberekwa naMirika mudzimai waNahori.’ Ini ndabva ndaisa mhete pamhuno yake namakoza mumaoko ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakamubvunza, ndikati, ‘Uri mukunda waaniko?’ Iye akati, ‘Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika;’ ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
Shona 2009?
Zvino ndakamubvunza, ndikati, `Uri mukunda waaniko?' Iye akati, `Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika;' ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakamubvunza, ndikati, ‘Uri mukunda waaniko?’ Iye akati, ‘Ndiri mukunda waBhetueri, mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika;’ ipapo ndakaisa chindori mumhino dzake, nezvishongo pamaoko ake.