Genesis 24:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muranda akati kwaari: Ɀimŋe mukadzi haaŋgatendi kunditeʋera kunyika ino; ɀino ndiŋgafanira kudzosera mŋanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muranda akabvunza akati, “Ko, kana mukadzi asingadi kuuya neni kunyika ino? Ndichazoenda here nomwanakomana wenyu kunyika yamakabva?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muranda akati, “Ko kana mukadzi wacho akaramba kuuya neni kuno, ndinofanira kudzorera mwana wenyu kunyika kwamakabva here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muranda akati kwaari, “Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera kunyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?”
Shona 2009?
Muranda akati kwaari, "Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera ku­nyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwama­kabva here?"
Shona SUB 2002 Bible
Muranda akati kwaari, “Zvimwe mukadzi haangatendi kunditevera kunyika ino, zvino ndingafanira kudzosera mwanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?”