Genesis 24:55 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi hanɀadzi yake namai ʋake ʋakati: Musikana acimbogara nesu mazuʋa ɀimŋe anegumi, agozoenda hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi hanzvadzi yake namai vake vakapindura vakati, “Regai musikana agare nesu mazuva angaita kana gumi; ipapo mungazoenda henyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hanzvadzi yake naamai vake vakati, “Regai timboti garei nomusikana uyu nguva yakati kuti kana mazuva angaite gumi zvawo agoti oenda zvake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, “Musikana achimbogara nesu mazuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake.”
Shona 2009?
Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, "Musikana achimbogara nesu ma­zuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake."
Shona SUB 2002 Bible
Asi hanzvadzi yake namai vake vakati, “Musikana achimbogara nesu mazuva zvimwe ane gumi, agozoenda hake.”