Genesis 24:65 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kumuranda: Murume uyo, unofamba musaŋgo kuzosoŋgana nesu ndianiko — Muranda akati: Nditenzi waŋgu; iye akatora cokufukidzira ciso cake, akaɀifukidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akabvunza muranda akati, “Ndianiko murume ari musango uyo ari kuuya kuzosangana nesu?” Muranda akapindura akati, “Nditenzi wangu.” Saka akatora chifukidzo akazvifukidza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndokubvunza muranda uyu achiti, “Ko murume uyo ari kuuya nomusango umo kuzochingurana nesu ndiani?” Muranda akati, “Ndivatenzi vangu.” Ribheka akatora dhuku rake akazvifukidza kumeso.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kumuranda, “Murume uyu, anofamba musango kuzosangana nesu ndianiko?” Muranda akati, “Nditenzi wangu;” iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza.
Shona 2009?
Akati kumuranda, "Murume uyu, anofamba musango kuzosangana nesu ndianiko?" Muranda akati, "Nditenzi wangu;" iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kumuranda, “Murume uyu, anofamba musango kuzosangana nesu ndianiko?” Muranda akati, “Nditenzi wangu;” iye akatora chokufukidzira chiso chake, akazvifukidza.