Genesis 24:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova, Mŋari wokuɗeŋga, wakandibvisa paimba yaɓaɓa ʋaŋgu nomunyika yokuɀarwa kwaŋgu, wakataura neni, akandipikira, aciti: Nyika ino ndicapa ʋana ʋako; ndiye ucatuma mutumŋa wake pamberi pako, kuti utorere mŋanakomana waŋgu mukadzi ikoko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha, Mwari wokudenga, akandibudisa muimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu uye iye akataura kwandiri uye akandivimbisa nemhiko achiti, ‘Ndichapa nyika iyi kuvana vako,’ achatuma mutumwa pamberi pako kuitira kuti ugogona kuwanira mwanakomana wangu mukadzi kubva ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi, Mwari wedenga akandibvisa pamusha wababa vangu, munyika yandakaberekerwa akandipikira achiti, ‘Nyika ino ndichaipa kuzvizvarwa zvako,’ ndiye achatuma mutumwa wake kuzokutungamirira kuti undotorera mwana wangu mukadzi ikoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti, ‘Nyika ino ndichapa vana vako,’ ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.
Shona 2009?
Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti, `Nyika ino ndichapa vana vako,' ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha, Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti, ‘Nyika ino ndichapa vana vako,’ ndiye achatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.