Genesis 25:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Isaka wakanyeŋgeterera mukadzi wake kunaJehova, nokuti wakaŋga asiŋgaɓereki; Jehova akanzwa kunyeŋgetera kwake, Rebeka, mukadzi wake, akaʋa nemimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaki akanamata kuna Tenzi achikumbirira mudzimai wake Ribheka nokuti akanga asina mbereko. Tenzi akanzwa chichemo chake, ndokubva mudzimai wake Ribheka ava napamuviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba.
Shona 2009?
Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba.