Genesis 25:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abrahama akaɓuɗisa mŋeya wake, akafa akwegura kwaɀo, aʋa mutana, makore ake aʋa mazhinji, akasoŋganiswa naʋanhu ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake uye akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhurahamu akanyatsochembera zvake zvokugutsikanawo ndokubva azoenda zvake kwakaenda vamwe vokwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake.
Shona 2009?
Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake.
Shona SUB 2002 Bible
Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake.