Genesis 26:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abimereki akati kunaIsaka; Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuʋura kwaɀo nesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva uende kure nesu; wanyanya kuva nesimba zvokutipfuura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhimereki akataurira Isaki kuti, “Chibvai zvenyu medu muno nokuti mava nesimba kupinda isu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba.”
Shona 2009?
Abhimereki akati kuna Isaka, "Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba."
Shona SUB 2002 Bible
Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba.”