Genesis 26:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Isaka akacera ɀe matsime emvura, akaŋga acerwa pamazuʋa aɓaɓa ʋake, Abrahama; nokuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaadziʋira Abrahama afa; akaatumidza mazita aakaŋga atumidzwa naɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isaka akacherazve matsime akanga acherwa panguva yababa vake Abhurahama, iwo akanga adzivirwa navaFiristia shure kwokufa kwaAbhurahama, uye akaapa mazita mamwe chetewo aakanga atumidzwa nababa vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaki akafukunura matsime emvura akanga acherwa pamazuva ababa wake Abhurahamu, nokuti Abhurahamu paakafa vaFirisitia vakabva vaafushira. Akaatumidzazve mazita aakanga akatumidzwa nababa wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.
Shona 2009?
Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhura­hamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.
Shona SUB 2002 Bible
Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.