Genesis 26:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Isaka akati kwaʋari: Maʋuyireiko kwandiri, ɀamunondiʋeŋga, mukandidziŋga kwamuri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isaka akavabvunza akati, “Mavingeiko kwandiri, sezvo makanga muri mhandu dzangu uye mukandidzinga?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Isaki akavati, “Mavingeiko kuno? Handiti munondivenga imi. Inga makandidzinga wani kwenyu!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Isaka akati kwavari, “Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?”
Shona 2009?
Isaka akati kwavari, "Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?"
Shona SUB 2002 Bible
Isaka akati kwavari, “Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?”