Genesis 26:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti Abrahama wakaterera inzwi raŋgu, akaceŋgeta ɀandakamuraira, nemirairo yaŋgu, nemitemo yaŋgu, nemirau yaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti Abhurahama akanditeerera uye akachengeta zvaidikanwa neni, nemitemo yangu, zvirevo zvangu uye nemirayiro yangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti Abhurahamu aiteerera zvandaireva, aiita zvose zvandaimutemera kuita achitevedza zvirongwa zvangu, achichengetawo mirao yangu nokuteerera mitemo yangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti Abhurahamu wakateerera izwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.”
Shona 2009?
nokuti Abhurahamu waka­teerera inzwi rangu, akachengeta zvanda­kamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu."
Shona SUB 2002 Bible
nokuti Abhurahamu wakateerera izwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.”