Genesis 26:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋanhu ʋenyika iyo ʋakamubvunza pamsoro pomukadzi wake, akati: Ihanɀadzi yaŋgu; nokuti wakaŋga acitya kuti, mukadzi waŋgu, aciti: Ɀimŋe ʋanhu ʋenyika ino ʋaŋgandiʋuraya nokuɗa kwaRebeka; nokuti wakaŋga akanaka kumeso.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu venyika iyo pavakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu,” nokuti akanga achitya kuti, “Mukadzi wangu.” Akafunga mumwoyo make achiti, “Vanhu vomunyika muno vangandiuraye nokuda kwaRabheka, nokuti akanaka kwazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu venyika iyoyo vakamubvunza nezvomukadzi wake, iye akati, “Ihanzvadzi yangu.” Izvozvo aitya kutaura kuti mudzimai wangu achiti zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraye pamusana paRibheka nokuti akanga aine chimiro chakanaka kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu;” nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, “Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka;” nokuti akanga akanaka kumeso.
Shona 2009?
vanhu venyika iyoyo vakamu­bvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, "Ihanzvadzi yangu;" nokuti waka­nga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, "Zvimwe vanhu venyika ino vangandiu­raya nokuda kwaRabheka;" nokuti aka­nga akanaka kumeso.
Shona SUB 2002 Bible
vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu;” nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, “Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka;” nokuti akanga akanaka kumeso.