Genesis 26:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aʋa’po ŋguʋa refu, Abimereki, mambo waʋaFiristia, wakatarira napawindi, akaʋona Isaka acitamba naRebeka, mukadzi wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isaka akati agara ikoko kwenguva refu, Abhimereki mambo wavaFiristia akatarira pasi napawindo akaona Isaka achitamba nomukadzi wake Rabheka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Isaki agarapo nguva ndefu, Abhimereki mambo wavaFirisitia akatarisa napahwindo akaona Isaki achibata-bata Ribheka mudzimai wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napawindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake.
Shona 2009?
Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napahwindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napahwindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake.