Genesis 27:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Isaka wakati aʋa mutana, meso ake oʋonera madzerere, asicagoni kuʋona, wakaɗana Esau, mŋanakomana wake mukuru, akati kwaari: Mŋana waŋgu; iye akati kwaari: Ndiri pano haŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Isaka akati akwegura uye meso ake akanga aneta zvokuti akanga asisaoni, akadana Esau mwanakomana wake mukuru akati kwaari, “Mwanakomana wangu.” Iye akapindura akati, “Ndiri pano.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Isaki ava harahwa, maziso ake ava kuonera madzerere asisaone akadaidza Esau dangwe rake akamuti, “Mwanangu!” Iye akati, “Ndiri pano baba!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwanakomana wake mukuru, akati kwaari, “Mwana wangu;” iye akati kwaari, “Ndiri pano hangu.”
Shona 2009?
Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwa­nakomana wake mukuru, akati kwaari, "Mwana wangu;" iye akati kwaari, "Ndiri pano hangu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwanakomana wake mukuru, akati kwaari, “Mwana wangu;” iye akati kwaari, “Ndiri pano hangu.”