Genesis 27:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jakobo akati kunaRebeka, mai ʋake: Tarirai, Esau, mukoma waŋgu, munhu unemvere, asi ini ndiri munhu ndisinemvere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, “Asi mukoma wangu Esau munhu ane mvere, uye ini ndiri munhu ane ganda risina mvere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jakobho akapindura amai vake Ribheka achiti, “Mukoma wangu Esau, munhu ane mvere muviri wose, asi ini handina mvere.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, “Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere.
Shona 2009?
Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, "Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere.
Shona SUB 2002 Bible
Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, “Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere.